Numbers 21:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakamukunda, iye naʋanakomana ʋake ʋose, kudzimana asina‐kusarirwa nomumŋe; ʋakatora nyika yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakamuuraya, pamwe chete navanakomana vake nehondo yake yose, vakasiya pasina kana mupenyu. Uye vakatora nyika yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vaIsiraeri vakazomuuraya pamwechete navanakomana vake navanhu vake vose. Kusvikira pasisina nomumwe wavo akapunyuka. Nyika yake yakabva yava yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakamukunda, iye navanakomana vake vose, kudzimana asina kusarirwa nomumwe; vakatora nyika yake.
Shona 2009?
Naizvozvo vakamukunda, iye navanakomana vake vose, kudzimana asina kusarirwa nomumwe; vakatora nyika yake.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakamukunda, iye navanakomana vake vose, kudzimana asina kusarirwa nomumwe; vakatora nyika yake.