Numbers 21:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakasimuka pagomo reHori, ʋakafamba nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku, kuti ʋanyenyeredze nyika yaEdomi; ʋanhu ʋakapera mŋoyo kwaɀo panzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakafamba vachibva nokuGomo reHori vachitevedza nzira yaienda nokuGungwa Dzvuku, kuti vapoterere Edhomu. Asi vanhu vakaora mwoyo panzira;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakabva pagomo reHoru vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu. Asi vari munzira kudaro vanhu vakaora mwoyo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera mwoyo kwazvo panzira.
Shona 2009?
Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera moyo kwazvo panzira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera mwoyo kwazvo panzira.