Numbers 21:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋanhu ʋakapopotera Mŋari naMosesi, ʋakati: Makatiɓuɗisireiko Egipita, kuti tifire murenje? Nokuti hapane‐ɀokudya, hapane‐mvura; mŋeya yeɗu inosema ɀokudya iɀi ɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
vakapopotera Mwari naMozisi, vachiti, “Makatibudisireiko muIjipiti kuti tizofira murenje? Chingwa hapana! Mvura hapana! Uye hatidi zvokudya zvokungotamburira izvi!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vakanyunyutira Mwari naMosesi vachiti, “Ko makatiburitsireiko kuIjipiti? Heya maida kuti tifire mugwenga muno! Hamuna chokudya kana mvura. Tafinhwa notuchingwa utwu tusina maturo!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMosesi, vakati, “Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa.”
Shona 2009?
Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMozisi, vakati, "Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMosesi, vakati, “Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa.”