Numbers 21:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋakaʋuya kunaMosesi, ʋakati: Takatadza, nokuti takapopotera Jehova nemi; kumbirai kunaJehova kuti abvise nyoka kwatiri. Mosesi akakumbirira ʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vakauya kuna Mozisi vakati, “Takatadza, patakapopotera Jehovha nemi. Nyengeterai kuti Jehovha atibvisire nyoka idzi pakati pedu.” Saka Mozisi akanyengeterera vanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakauya kuna Mosesi vakati, “Takatadza nokuti takanyunyutira Tenzi nemi. Tinamatireiwo kuna Tenzi kuti atibvisire nyoka idzi.” Naizvozvo Mosesi ndokuvakumbirira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vakauya kuna Mosesi, vakati, “Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri.” Mosesi akakumbirira vanhu.
Shona 2009?
Zvino vanhu vakauya kuna Mozisi, vakati, "Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri." Mozisi akakumbirira vanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vakauya kuna Mosesi, vakati, “Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri.” Mosesi akakumbirira vanhu.