Numbers 22:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Barami akamuka maŋgwanani, akati kumacinda aBaraki: Endai kunyika yenyu, nokuti Jehova unoramba kunditendera kuenda nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fume mangwana, Bharamu akamuka akati kumachinda aBharaki, “Dzokerai kunyika yokwenyu, nokuti Jehovha aramba kuti ndiende nemi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mangwana acho Bhiriamu akafumoudza machinda aBharaki kuti, “Dzokerai zvenyu kunyika yenyu. Tenzi aramba kuti ndiende nemi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Bharamu akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki, “Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha anoramba kunditendera kuenda nemi.”
Shona 2009?
Bharamu akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki, "Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha anoramba kunditendera kuenda nemi."
Shona SUB 2002 Bible
Bharamu akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki, “Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha anoramba kunditendera kuenda nemi.”