Numbers 22:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Barami akamuka maŋgwanani, akaisa cigaro pamboŋgoro yake, akaenda namacinda aMoabi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda eMoabhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Bhiriamu akamuka mangwanani ndokusungirira chityaro padhongi ndokuenda namachinda eMoabhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake, akaenda namachinda aMoabhu.
Shona 2009?
Zvino Bharami akamuka mangwanani akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda aMoabhi
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake, akaenda namachinda aMoabhu.