Numbers 22:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Baraki wakati anzwa kuti Barami waȿika, akaɓuɗa kundosoŋgana naye paIri‐Moabi riri pamuganho weArnoni, pamugumo wenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bharaki akati anzwa kuti Bharamu akanga achiuya, akabuda kuti andosangana naye paguta ravaMoabhu pamuganhu weAnoni, kumagumo kwenyika yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bharaki zvaakanzwa kuti Bhiriamu ari kuuya, akaenda kundomuchingura kuguta reMoabhu riri kuna Arinoni rwizi ruri pamuganhu wenyika yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Bharaki akati anzwa kuti Bharamu asvika, akabuda kundosangana naye paIri‐moabhu riri pamuganhu weArinoni, pamugumo wenyika.
Shona 2009?
Zvino Bharaki akati anzwa kuti Bharamu asvika, akabuda kundosangana naye paIri-Moabhu riri pamuganhu weArinoni, pamugumo wenyika.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Bharaki akati anzwa kuti Bharamu asvika, akabuda kundosangana naye paIri–moabhu riri pamuganhu weArinoni, pamugumo wenyika.