Numbers 22:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Moabi akati kuʋakuru ʋaMidiani: Ɀino ʋanhu aʋa ʋazhinji ʋacananɀa ɀose ɀakatipoteredza, seŋombe inonanɀa ʋuswa bgesaŋgo; Baraki, mŋanakomana waZipori ndiye wakaŋga ari mambo waMoabi neŋguʋa iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaMoabhu vakati kuvakuru veMidhiani, “Vanhu vazhinji ava vachananzva zvinhu zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva sora romusango.” Saka Bharaki mwanakomana waZipori, uyo akanga ari Mambo weMoabhu panguva iyoyo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaMoabhu ndokutaurira vakuru vakuru vavaMidhiani vachiti, “Zvino gurumwandira ravanhu ava richaparadza zvose zvakatipoteredza semombe dzapinda mumunda.” Naizvozvo Bharaki mwana waZipori akanga ari mambo wavaMoabhu panguva iyoyo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, “Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwesango”; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva iyo.
Shona 2009?
Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, "Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa bwesango"; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, “Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwesango”; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva iyo.