Numbers 22:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akatuma nhume kunaBarami, mŋanakomana waBeori, paPetori paRwizi, kunyika yaʋana ʋorudzi rwake, kuzomuɗana, aciti: Tarira, pano panaʋanhu ʋakabva Egipita; tarira, ʋakafukidza nyika yose, ɀino ʋoɗa kurwa neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori, uyo akanga ari paPetori, pedyo noRwizi, munyika yaakaberekerwa. Bharaki akati: “Vanhu vakabva kuIjipiti; vakazadza nyika yose uye vagara pedyo neni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akatuma nhume kuna Bhiriamu mwanakomana waBheori, aigara kuPetori pedyo norwizi munyika yeAmawu kundomudaidza achiti, “Inzwaiwo zvava kuno, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika, vagere pakatarisana nemi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, “Tarira, pano pana vanhu vakabva Ijipiti; tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni.
Shona 2009?
iyo. Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, "Tarira, pano pana vanhu vakabva Ijipiti, tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, “Tarira, pano pana vanhu vakabva Ijipiti; tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni.