Numbers 22:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɗoʋuya hako ɀino, unditukire ʋanhu aʋa; nokuti ʋanondikurira nesimba; ɀimŋe ndiŋgagona kuʋakunda, ndiʋadziŋge munyika ino; nokuti ndinoziʋa kuti munhu wakaropafadzwa newe, wakaropafadzwa kwaɀo, ʋuye munhu wakatukwa newe, wakatukwa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino, uya utuke vanhu ava, nokuti simba ravo iguru kwazvo kwandiri. Zvichida ipapo ndingagona kuvakunda ndikavadzinga vabude munyika ino. Nokuti ndinoziva kuti avo vaunoropafadza vanoropafadzwa, uye vaunotuka vanotukwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndapota uyai muzondirengererawo, vanhu ava rushambwa nokuti vane simba kupinda isu. Zvimwe ndingavakunde ndikavadzinga munyika. Ndinoziva kuti ani naani wamunokomborera anokomborerwa, uye wamunorengerera rushambwa anobva aona chinomuwana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nokuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nokuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo.”
Shona 2009?
Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nokuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nokuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nokuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nokuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo.”