Numbers 23:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Baraki akati kunaBarami: Wandiiteiko? Ndandokutora kuti utuke ʋaʋeŋgi ʋaŋgu; tarira, waramba uciŋgoʋaropafadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bharaki akati kuna Bharamu, “Waiteiko kwandiri? Ndakakutora kuti uzotuka vavengi vangu, asi hauna chinhu chawaita asi kutovaropafadza!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bharaki ndokutaurira Bhiriamu achiti, “Ko chiiko chawandiitira ichi? Ndakakuunza kuti uzorengerera rushambwa vavengi vangu, asi iwe watonyatsovakomborera zvako!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, “Wandiiteiko? Ndanokutora kuti utuke vavengi vangu; tarira, waramba uchingovaropafadza.”
Shona 2009?
Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, "Wandiiteiko? Ndanokutora kuti utuke vavengi vangu; tarira, waramba uchingovaropafadza."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, “Wandiiteiko? Ndanokutora kuti utuke vavengi vangu; tarira, waramba uchingovaropafadza.”