Numbers 23:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akaenda kwaari, akamuwana amire pacipiriso cake cinopiswa, macinda aMoabi anaye. Baraki akati kwaari: Jehova wakataureiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda eMoabhu. Bharaki akamubvunza akati, “Jehovha ati kudiniko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzokera kuna Bharaki kuya wanei achakangomira pane chibayiro chake chokupisa chiya aina machinda eMoabhu. Bharaki akati kwaari, “Zvanzi kudii naTenzi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akaenda kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, machinda aMoabhu anaye. Bharaki akati kwaari, “Jehovha wakataureiko?”
Shona 2009?
Iye akaenda kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, machinda aMoabhu anaye. Bharaki akati kwaari, "Jehovha wakataureiko?"
Shona SUB 2002 Bible
Iye akaenda kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, machinda aMoabhu anaye. Bharaki akati kwaari, “Jehovha akataureiko?”