Numbers 23:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari haazi munhu, haaŋgareʋi nhema; Kunyaŋge mŋanakomana womunhu, haaŋgashanduki; Caakataura, haaŋgaciiti kanhi? Caakataura, haaŋgacisimbisi kanhi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema, uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake. Ko, anotaura akasazviita here? Anovimbisa akasazadzisa here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari haazi munhu, haangarevi nhema, haazi munhu, haasanduki sanduki mukutaura. Ko munoti angataure chinhu pedzepo orega kuchiita here? Angatsidze chinhu chaasingazoita here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari haazi munhu, Haangarevi nhema; Kunyange Mwanakomana womunhu, Haangashanduki; Chaakataura, haangachiiti kanhi? Chaakataura, haangachisimbisi kanhi?
Shona 2009?
Mwari haazi munhu,Haangarevi nhema; Kunyange Mwanakomana womunhu Haangashanduki; Chaakataura, haangachiiti kanhi? Chaakataura, haangachisimbisi kanhi?
Shona SUB 2002 Bible
Mwari haazi munhu, Haangarevi nhema; Kunyangwe Mwanakomana womunhu, Haangashanduki; Chaakataura, haangachiiti kanhi? Chaakataura, haangachisimbisi kanhi?