Numbers 24:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Barami wakati aciʋona kuti ɀakaŋga ɀicifadza Jehova kuropafadza Israeri, haana‐kuzoenda sapanedzimŋe ŋguʋa, kutȿaka ʋuŋaŋga, asi wakariŋgira kurenje,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhiriamu paakaona kuti Tenzi aifadzwa nokukomborera vaIsiraeri haana kuzombondotsvaka chiratidzo sezvaaimboita. Asi akatarisa kurenje,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka un’ganga, asi akaringira kurenje,
Shona 2009?
Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka un'anga, asi akaringira kurenje,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka un'anga, asi akaringira kurenje,