Numbers 24:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Baraki akatsamŋira Barami kwaɀo, akaɓuɓudza maʋoko ake; Baraki akati kunaBarami: Ndakuɗana, kuti utuke ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, asi tarira, waramba uciŋgoʋaropafadza katatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari, “Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bharaki akashatiriswa naBhiriamu, ndokurovanisa maoko ake pamwechete. Bharaki ndokuti kuna Bhiriamu, “Ndakakudaidzira kuzorengerera rushambwa vavengi vangu, asi zvino watovakomborera zvako katatu kose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, “Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu.
Shona 2009?
Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, "Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, “Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu.