Numbers 24:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge Baraki akandipa imba yake izere nesirveri nendarama, handiŋgagoni kuɗarika shoko raJehova, ndiite nomŋoyo waŋgu ɀakanaka kana ɀakaipa; ɀinotaurwa naJehova, ndiɀo ɀandicaita?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingambotsaudziri shoko raTenzi ndichiita zvakanaka kana zvakaipa zvandinoda pachangu.’ Zvinenge zvataurwa naTenzi ndizvo zvandichataura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomwoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?’
Shona 2009?
'Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?'
Shona SUB 2002 Bible
‘Kunyangwe Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomwoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?’