Numbers 24:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinomuʋona, asi handimuʋoni ɀino; Ndinomuʋona, asi handimuʋoneri pedyo; Nyeredzi icaɓuɗa kunaJakobo, Netȿimbo yoʋushe icabva kunaIsraeri; Icabvoʋora nyika yaMoabi, Nokuparadza ʋanakomana ʋose ʋeɓope.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino; ndinomuona, asi haasi pedyo. Nyeredzi ichabuda muna Jakobho; Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri. Achapwanya huma dzavaMoabhu, madehenya avanakomana vose vaSeti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinomuona, asi zvandinoona hazvisi zvanhasi, ndinomutarisa asi haasi pedyo. Nyenyedzi ichauya ichibva muna Jakobho, muvaIsiraeri muchava nomubati wetsvimbo youshe, huma yaMoabhu achaitekeshura achaparadza vanakomana vaSheti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinomuona, asi handimuoni zvino; Ndinomuona, asi handimuoneri pedyo; Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho, Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri; Ichabvoora nyika yaMoabhu, Nokuparadza vanakomana vose vebope.
Shona 2009?
Ndinomuona, asi handimuoni zvino; Ndinomuona, asi handimuoneri pedo; Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho, Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri; Ichabvoora nyika yaMoabhu, Nokuparadza vanakomana vose vebope.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinomuona, asi handimuoni zvino; Ndinomuona, asi handimuoneri pedyo; Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho, Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri; Ichabvoora nyika yaMoabhu, Nokuparadza vanakomana vose vebope.