Numbers 25:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, wadzora kutsamŋa kwaŋgu kuʋana ʋaIsraeri; nokuti wakaŋga aneshuŋgu pakati paʋo, dzakafanana neshuŋgu dzaŋgu, naiɀoɀo handina‐kuparadza ʋana ʋaIsraeri neshuŋgu dzaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Finiyasi mwanakomana waEreazari, muzukuru womupristi Aroni, apodza kutsamwira vaIsiraeri kwandanga ndaita. Atsamwira vanhu vasina kundiremekedza ini, sokuvatsamwira kwandinoitawo ini pachangu. Saka ndisina kuzoramba ndichiparadza vaIsiraeri pandanga ndavatsamwira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsiraeri; nokuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu, naizvozvo handina kuparadza vana vaIsiraeri neshungu dzangu.
Shona 2009?
"Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsiraeri; nokuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu naizvozvo handina kuparadza vana vaIsraeri neshungu dzangu.
Shona SUB 2002 Bible
“Finiasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana VaIsiraeri; nokuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu, naizvozvo handina kuparadza vana VaIsiraeri neshungu dzangu.