Numbers 25:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Zita romukadzi muMidiani wakaʋurawa, rakaŋga riri Kozbi, mŋanasikana waZuri; iye wakaŋga ari mukuru waʋanhu weimba yamadziɓaɓa paʋaMidiani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zita romukadzi wechiMidhiani akaurayiwa uya ainzi Kazibhi, aiva mukunda waZuri akanga ari mukuru wedzinza rimwe ravaMidhiani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zita romukadzi muMidhiani akaurawa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani.
Shona 2009?
Zita romukadzi muMidhiani akaurawa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani.
Shona SUB 2002 Bible
Zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani.