Numbers 25:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tora ʋakuru ʋose ʋaʋanhu, uʋasuŋgirire masikati makuru pamberi paJehova, kuti kutsamŋa kukuru kwaJehova kudzorwe kunaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akabva ataurira Mosesi kuti, “Tora vatungamiriri vose vavaIsiraeri uuye navo pana Tenzi, uvasungirire vafe pamberi paTenzi masikati machena kuti hasha dzaTenzi dzinotyisa dzichirega kuvirukira vaIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri.”
Shona 2009?
Ipapo Iehovha akati kuna Mozisi, "Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri.”