Numbers 25:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Pinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, wakati aciɀiʋona, akasimuka, akaɓuɗa pakati peʋuŋgano anepfumo muruʋoko rwake,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Finiyasi mwanakomana waEreazari, muzukuru womupristi Aroni, paakazviona, akabva paiva negungano riya, akandotora pfumo rake,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake,
Shona 2009?
Zvino Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womuprista Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Finiasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake,