Numbers 25:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akateʋera murume uyo muIsraeri mukati metente, akaʋaɓaya nepfumo nomuɗumbu, iʋo ʋaʋiri, murume muIsraeri nomukadzi; naiɀoɀo ɗenda rakaguma pakati paʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri muMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndokutevera murume uya mutendhe muya, ndokusvikosonanidza nepfumo nechapadumbu murume muIsiraeri nomukadzi uya. Ndiko kumiswa kwakaitwa denda pavaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana vaIsiraeri.
Shona 2009?
akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana vaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana VaIsiraeri.