Numbers 26:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Zerofehadi, mŋanakomana waHeferi, wakaŋga asinaʋanakomana, asi ʋanasikana ɓedzi; mazita aʋanasikana ʋaZerofehadi aiʋa Makra, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
(Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana, asi aiva navanasikana. Vanasikana vaZerofehadhi vainzi Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza.
Shona 2009?
Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza.