Numbers 26:54 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋazhinji unofanira kuʋapa nhaka zhinji; ʋashoma unofanira kuʋapa nhaka shoma; mumŋe nomumŋe unofanira kupiwa seɀaʋakaʋereŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuna vaya vanenge vakawanda, unofanira kuvapa nhaka huru, vashoma unovapa nhaka duku; mhuri imwe neimwe inofanira kupiwa zvakaenzana nouwandu hwokuverengwa kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzinza rina vanhu vazhinji ngaripiwe mugove wenhaka mukuru. Dzinzawo rina vanhu vashoma, ngaripiwe mugove wenhaka muduku. Dzinza nedzinza ngaripiwe mugove wenhaka maererano nouwandi hwevemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vazhinji nofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa.
Shona 2009?
Vazhinji unofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa.
Shona SUB 2002 Bible
Vazhinji nofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa.