Numbers 26:59 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Zita romukadzi waAmrami rakaŋga riri Jokebedi, mŋanasikana waRevi, wakaɓerekerwa Revi paEgipita; ndiye wakaɓerekera Amrami, Aroni, naMosesi, naMiriami, hanɀadzi yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zita romudzimai waAmuramu rainzi Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi akaberekerwa Ijipiti. Ndiye akabereka Aroni naMosesi nehanzvadzi yavo Miriamu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paIjipiti; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMosesi, naMiriami, hanzvadzi yavo.
Shona 2009?
Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paIjipiti; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMozisi, naMiriami, hanzvadzi yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paIjipiti; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMosesi, naMiriami, hanzvadzi yavo.