Numbers 27:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanasikana ʋaZerofehadi, mŋanakomana waHeferi, mŋanakomana waGireadi, mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mŋanakomana waJosefa, ʋakasweɗera kunaMosesi; ndiwo mazita aʋanasikana ʋake: Mara, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga ari wemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa. Mazita avanasikana akanga ari: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanasikana vaZerofehadhi vakauya kuna Mosesi. Zerofehadhi uyu aiva mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, saka aiva womudzimhuri dzokwaManase mwanakomana waJosefi. Vanasikana ivavo vainzi Mahara naNowa naHogira naMirika naTiriza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mwanakomana waJosefa, vakaswedera kuna Mosesi; ndiwo mazita avanasikana vake: Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza;
Shona 2009?
Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomma waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mwanakomana waJosefa, vakaswedera kuna Mozisi; ndiwo mazita avanasikana vake: Mara, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mwanakomana waJosefa, vakaswedera kuna Mosesi; ndiwo mazita avanasikana vake: Mara, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza;