Numbers 27:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ɓaɓa ʋake ʋasinaʋakuru kana ʋanuŋuna, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, iʋe yake. Unofanira kuʋa mutemo wokutoŋga nawo pakati paʋana ʋaIsraeri, seɀakarairwa Mosesi naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana baba vake vasina madzikoma kana vanun'una, mupe nhaka yake kuhama yepedyo yomumhuri yake, kuti ive yake. Uyu unofanira kuva mutemo kuvaIsraeri, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana baba wake asina mukoma kana munun'una nhaka yake ngaipiwe hama yake yepedyo, kuti ive yake. Iwoyu uve murao unochengetwa navaIsiraeri sokurayira kwandaita ini Tenzi iwe Mosesi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana baba vake vasina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake.’ Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri,” sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
Shona 2009?
"Kana baba vake vasina vakuru kana vanun'una, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake.' Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri," sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Kana baba vake vasina vakuru kana vanun'una, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake.’ Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana VaIsiraeri,” sezvakarairwa Mosesi naJehovha.