Numbers 28:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
necegumi cimŋe coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu pagwaiana rimŋe nerimŋe; ciʋe cipiriso cinopiswa cinonhuwira ɀakanaka cinopisirwa Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuwira chinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pahwayana imwe neimwe torai kirogiramu rimwechete. Uyu ndiwo mupiro unoita zvokupiswa nomoto kuti kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha.
Shona 2009?
nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuhwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha.