Numbers 28:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa ɀinofanira kuʋa ɀehafu yehini yewaini panzombe imŋe, necetatu cehini pagondobge rimŋe, nececinna cehini pagwaiana rimŋe; ndico cipiriso cinopiswa cinofanira kuitwa mŋedzi mumŋe nomumŋe wemŋedzi yegore rose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondohwe, chetatu chehinie; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehinif. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mipiro yezvokunwa inopirwa pamwechete nayo ndeiyi: pahandira imwe neimwe torai, waini inokwana marita maviri, pahondohwe torai waini inokwana rita rimwechete nechikamu charo chapakati napakati, pahwayana imwe neimwe torai waini inokwana rita rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro wokupisa unoitwa pazuva rokutanga romwedzi nomwedzi gore rose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondohwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose.
Shona 2009?
Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondobwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondohwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose.