Numbers 28:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye nhoŋgo imŋe yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi kunaJehova; cinofanira kuʋuyiswa kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco cinoɗururwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Piraiwo Tenzi gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo uchiwedzerwa pamupiro wokupisa uya unogaroitwa pamwechete nomupiro wewaini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.
Shona 2009?
Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.
Shona SUB 2002 Bible
Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.