Numbers 28:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo munofanira kuʋuya neɀokudya ɀecipiriso cinopiswa zuʋa rimŋe nerimŋe pamazuʋa manomŋe, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; cinofanira kuʋuyiswa kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose necipiriso caco cinoɗururwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwamazuva manomwe itai saizvozvo zuva nezuva muchipira zvokudya zvomupiro unoita zvokupiswa nomoto, kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi. Mipiro iyoyi ngaiwedzere mupiro wokupisa unogaroitwa zuva nezuva pamwechete nomupiro wezvokunwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa.
Shona 2009?
Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa.
Shona SUB 2002 Bible
Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa.