Numbers 28:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuti kwaʋari: Ndico cipiriso cinopiswa camunofanira kupa Jehova: Makwaiana amakondobge egore rimŋe, asina‐kuremara, maʋiri zuʋa rimŋe nerimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose nezuva rimwe nerimwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaudze kuti zuva nezuva vagare vachipira Mwari mupiro wokupisa wehwayana mbiri, dzine gore rimwechete dzisina chinoshoreka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kuti kwavari, ‘Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondohwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
Shona 2009?
Unofanira kuti kwavari, `Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondobwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
Shona SUB 2002 Bible
Unofanira kuti kwavari, ‘Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondohwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose.