Numbers 28:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munofanira kuʋuya naɀo (ɀiʋe kwamuri ɀisina‐kuremara) neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pirai mipiro iyoyi pamwechete nemipiro yayo yezvokunwa tisingaverengere mupiro wokupisa unogaroitwa nomupiro wawo wembesanwa. Nyatsoonai kuti zvipfuwo zvacho zvive zvipfuwo zvisina chinoshoreka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu.
Shona 2009?
Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu.
Shona SUB 2002 Bible
Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu.