Numbers 28:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maɗekwana; unofanira kuʋuya naro pamŋe cete necipiriso coʋupfu, necipiriso cinoɗururwa, ɀakafanana neɀamaŋgwanani, ciʋe cipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngavapire hwayana yechipiri manheru nomupiro wayo wembesanwa nomupiro wayo wezvokunwa sezvinenge zvamboitwa mangwanani. Mupiro iwoyo uitei zvokuupisa nomoto kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Shona 2009?
Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha. Zvipiriso zveSabata nezvokuvamba komwedzi
Shona SUB 2002 Bible
Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.