Numbers 3:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Aroni naʋanakomana ʋake unofanira kuʋagadza, kuti ʋaɓate ɓasa roʋuprista bgaʋo; usina‐kufanira, unosweɗera’po, unofanira kuʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ugadze Aroni navanakomana vake kuti vagoshumira savaprista; ani zvake mumwewo anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gadza Aroni navanakomana vake kuti vaite mabasa avo oupristi, asi kana mumwe munhu zvake akaswedera ngaaurayiwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Aroni navanakomana vake unofanira kuvagadza, kuti vabate basa roupristi hwavo; asina kufanira, usaswederapo, anofanira kuurawa.”
Shona 2009?
Asi Aroni navanakomana vake unofanira kuvagadza, kuti vabate basa rouprista hwavo; asina kufanira, usaswederapo, anofanira kuurawa."
Shona SUB 2002 Bible
Asi Aroni navanakomana vake unofanira kuvagadza, kuti vabate basa roupristi hwavo; asina kufanira, usaswederapo, anofanira kuurayiwa.”