Numbers 3:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti mataŋgwe ose ndaaŋgu; musi wandakaʋuraya mataŋgwe ose panyika yeEgipita, ndakaɀitsaurira mataŋgwe ose paʋaIsraeri, paʋanhu napaɀipfuwo; anofanira kuʋa aŋgu; ndini Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti kubvira musi wandakarakasha matangwe ose eIjipiti ndakanga ndazvitsaurira matangwe ose omuIsiraeri kuti ave angu, kubvira matangwe avanhu neemhuka, ndeangu. Ndini Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti matangwe ose ndaangu; musi wandakauraya matangwe ose panyika yeIjipiti, ndakazvitsaurira matangwe ose pavaIsiraeri, pavanhu napazvipfuwo; anofanira kuva angu; ndini Jehovha.”
Shona 2009?
nokuti matangwe ose ndaangu; musi wandakauraya matangwe ose panyika yeIjipiti, ndakazvitsaurira matangwe ose pavaIsiraeri, pavanhu napazvipfuwo; anofanira kuva angu; ndini Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
nokuti matangwe ose ndaangu; musi wandakauraya matangwe ose panyika yeIjipiti, ndakazvitsaurira matangwe ose paVaIsiraeri, pavanhu napazvipfuwo; anofanira kuva angu; ndini Jehovha.”