Numbers 3:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋereŋga mataŋgwe ose aʋarume aʋana ʋaIsraeri ʋomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura, ugonyora kuwanda kwamazita aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Verenga matangwe ose avanhurume avaIsraeri ano mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa ugonyora mazita avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Verenga matangwe ose echirume pakati pavaIsiraeri, kubvira parusvava runo mwedzi mumwechete zvichikwira, unyore mazita avo ose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Verenga matangwe ose avarume avana vaIsiraeri vomwedzi mumwe navanopfuura, ugonyora kuwanda kwamazita avo.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Verenga matangwe ose avarume avana vaIsiraeri vomwedzi mumwe navanopfuura, ugonyora kuwanda kwamazita avo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Verenga matangwe ose avarume avana VaIsiraeri vomwedzi mumwe navanopfuura, ugonyora kuwanda kwamazita avo.