Numbers 3:41 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino unofanira kunditorera ʋaRevi (ndini Jehova) panɀimbo yamataŋgwe ose aʋana ʋaIsraeri, neŋombe dzaʋaRevi panɀimbo yaʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeŋombe dzaʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Unditorere vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose avaIsraeri, uye nezvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvibereko zvokutanga zvose zvezvipfuwo zvavana vavaIsraeri. Ndini Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino panzvimbo yamatangwe avaIsiraeri iwaya namatangwe ezvipfuwo zvavo, nditsaurire vaRevhi kuti vave vanhu vangu, ini Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino unofanira kunditorera vaRevhi (ndini Jehovha) panzvimbo yamatangwe ose avana vaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yavana vose vemhongora dzemombe dzavana vaIsiraeri.”
Shona 2009?
Zvino unofanira kunditorera vaRevhi (ndini Jehovha) panzvimbo yamatangwe ose avana vaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yavana vose vemhongora dzemombe dzavana vaIsiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino unofanira kunditorera vaRevhi (ndini Jehovha) panzvimbo yamatangwe ose avana VaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yavana vose vematangwe emombe dzavana VaIsiraeri.”