Numbers 30:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana murume wake akaɀikonesa kwaɀo nomusi waakaɀinzwa nawo, ipapo ɀose ɀakaɓuɗa mumuromo make pakupika kwake, kana kuɀisuŋga kwake, haɀiŋgaʋi nesimba; murume wake waɀikonesa; Jehova ucamukaŋganwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana murume wake akazvikonesa paanenge anzwa nezvazvo, ipapo hapana chaakapika kana zvaakazvisunga nazvo nemhiko nezvaakataura nomuromo wake zvichava nesimba. Murume wake azvikonesa, uye Jehovha achamusunungura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana murume wake akazviramba zuva rakarero raanozvinzwa, zvose zvaakatsidza kana zvaakapika achitaura nomuromo nezvemhiko dzake nezvitsidzo zvake, murume wake akazvishaisa basa. Tenzi anomuregerera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana murume wake akazvikonesa kwazvo nomusi waakazvinzwa nawo, ipapo zvose zvakabuda mumuromo make pakupika kwake, kana kuzvisunga kwake, hazvingavi nesimba; murume wake wazvikonesa; Jehovha achamukanganwira.
Shona 2009?
Asi kana murume wake akazvikonesa kwazvo nomusi waakazvinzwa nawo, ipapo zvose zvakabuda mumuromo make pakupika kwake, kana kuzvisunga kwake, hazvingavi nesimba; murume wake wazvikonesa; Jehovha achamukangamwira.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana murume wake akazvikonesa kwazvo nomusi waakazvinzwa nawo, ipapo zvose zvakabuda mumuromo make pakupika kwake, kana kuzvisunga kwake, hazvingavi nesimba; murume wake wazvikonesa; Jehovha achamukanganwira.
Recommended Reading