Numbers 30:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana murume wake akamunyararira cose zuʋa rimŋe nerimŋe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuɀisuŋga kwake kwose, kwaakaɀisuŋga nako; waɀisimbisa, nokuti wamunyararira nomusi waakaɀinzwa nawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana murume wake akashaya chaanotaura kwaari zuva nezuva, ipapo ari kusimbisa mhiko dzake uye zvaakapika zvinomusunga. Anozvisimbisa nokusataura kwake chinhu kwaari paanenge anzwa nezvazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana murume wake akanyarara asina chaanotaura kwaari nazvo zuva nezuva, zvinoreva kuti anomubvumidza kuita zvose zvaanotsidza nezvose zvaanopika. Murume wake anenge abvumirana nazvo nokuti anenge asina kutaurira mukadzi wake zuva raanozvinzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva rimwe nerimwe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuzvisunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako; azvisimbisa, nokuti amunyararira nomusi waakazvinzwa nawo.
Shona 2009?
Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva rimwe nerimwe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuzvisunga kwake kose, kwaakazvisunga nako; azvisimbisa, nokuti amunyararira nomusi waakazvinzwa nawo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva rimwe nerimwe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuzvisunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako; azvisimbisa, nokuti amunyararira nomusi waakazvinzwa nawo.