Numbers 30:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiyo mitemo yakarairwa Mosesi naJehova, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati paɓaɓa nomŋanasikana waʋo, aciri musikana paimba yaɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iyi ndiyo mitemo yakapiwa Mozisi naJehovha pamusoro poukama pakati pomurume nomukadzi wake, uye pakati pababa nomwanasikana wavo muduku agere mumba mavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iyi ndiyo mirao yakarayirwa Mosesi naTenzi yemhiko dzinoitwa nomunhukadzi muduku achiri mumba mababa vake nedzinoitwa nomukadzi ane murume wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiyo mitemo yakarairwa Mosesi naJehovha, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati pababa nomwanasikana wavo, achiri musikana paimba yababa vake.
Shona 2009?
Ndiyo mitemo yakarairwa Mozisi naJehovha, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati pababa nomwanasikana wavo, achiri musikana paimba yababa vake.
Shona SUB 2002 Bible
Ndiyo mitemo yakarairwa Mosesi naJehovha, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati pababa nomwanasikana wavo, achiri musikana paimba yababa vake.