Numbers 30:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɓaɓa ʋake ʋakanzwa kupika kwake, nokuɀisuŋga kwaakaɀisuŋga nako, ɓaɓa ʋake ʋakamunyararira haʋo, ipapo kupika kwake kwose kucaʋa nesimba, nokusuŋga kwake kwose, kwaakaɀisuŋga nako, kucaʋa nesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye baba vake vakanzwa pamusoro pezvaapika, vakasataura chinhu kwaari, ipapo zvose zvaapika uye zvose zvaazvisunga kupika zvichasimbiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kana baba vake vakanzwa chitsidzo kana mhiko yake vasina chavanotaura nazvo, zvose zvaakatsidza nezvaakapika ngaazviite.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
baba vake vakanzwa kupika kwake, nokuzvisunga kwaakazvisunga nako, baba vake vakamunyararira havo, ipapo kupika kwake kwose kuchava nesimba, nokusunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
Shona 2009?
baba vake vakanzwa kupika kwake, nokuzvisunga kwaakazvisunga nako, baba vake vakamunyararira havo, ipapo kupika kwake kose kuchava nesimba, nokusunga kwake kose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
Shona SUB 2002 Bible