Numbers 30:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana murume wake akamudziʋisa nomusi waanoɀinzwa nawo, ipapo iye unokonesa kupika kwake, kwaakaɀisuŋga nako, namashoko aakareʋa asina‐kuraŋgarira ɀakanaka, aakaɀisuŋga nawo; Jehova ucamukaŋganwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana murume wake amudzivisa paanenge anzwa nezvazvo, anokonesa mhiko iya inomusunga, kana vimbiso yaangazvisunga nayo, uye ipapo Jehovha achamusunungura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana murume wake akazvinzwa achibva amurambidza zuva rakarero, zvose zvaakapika nezvaakataura, asina kumbonyatsofunga hazvisisina maturo. Tenzi anobva amuregerera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana murume wake akamudzivisa nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo iye anokonesa kupika kwake, kwaakazvisunga nako, namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo; Jehovha achamukanganwira.
Shona 2009?
Asi kana murume wake akamudzivisa nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo iye anokonesa kupika kwake, kwaakazvisunga nako, namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo; Jehovha achamukangamwira.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana murume wake akamudzivisa nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo iye anokonesa kupika kwake, kwaakazvisunga nako, namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo; Jehovha achamukanganwira.