Numbers 30:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kupika kwecirikadzi, kana kwomukadzi wakarambga nomurume wake, cinhu cipi necipi caakaɀisuŋga naco, ɀicaʋa nesimba kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mhiko ipi zvayo kana chisungo chaitwa nechirikadzi kana mukadzi akarambwa chichava nesimba kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi chitsidzo nemhiko yechirikadzi kana yomukadzi akarambana nomurume wake chose chaanozvisunga nacho chichamusunga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kupika kwechirikadzi, kana kwomukadzi akarambwa nomurume wake, chinhu chipi nechipi chaakazvisunga nacho, zvichava nesimba kwaari.
Shona 2009?
Asi kupika kwechirikadzi, kana komukadzi akarambwa nomurume wake, chinhu chipi nechipi chaakazvisunga nacho, zvichava nesimba kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kupika kwechirikadzi, kana kwomukadzi akarambwa nomurume wake, chinhu chipi nechipi chaakazvisunga nacho, zvichava nesimba kwaari.