Numbers 31:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ndiʋo ʋakatadzisa ʋana ʋaIsraeri pamberi paJehova paɀakaitwa paPeori, ʋapiwa mano naBarami, ɗenda rikaʋa’po pakati peʋuŋgano yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndivo vakanga vachitevera zano raBharamu uye ndivo vakatsausa vaIsraeri kubva kuna Jehovha pane zvakaitika paPeori, naizvozvo denda rikauya pamusoro pavanhu vaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndivoka ivava vakarasikisa vaIsiraeri, panyaya iya yaBhiriamu. VaIsiraeri vakabva vatadzira Tenzi panyaya iya yokuPeori yakarakatisa gungano raTenzi nedenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, ndivo vakatadzisa vana vaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.
Shona 2009?
Tarirai, ndivo vakatadzisa vana vaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, ndivo vakatadzisa vana VaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.