Numbers 31:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akataura naʋanhu, akati: Ʋarume pakati penyu ŋgaʋaɀigadzirire kurwa, kuti ʋandorwa naʋaMidiani, ʋatsiʋire Jehova kuʋaMidiani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Mozisi akati kuvanhu, “Shongedzai vamwe varume vokwenyu nhumbi dzokurwa kuti vaende kundorwa navaMidhiani kuti vazadzise kutsiva kwaJehovha pamusoro pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akataurira vaIsiraeri achiti, “Vamwe varume pakati penyu ngavapakate zvombo zvokundorwisa vaMidhiani kuti vavarange vachitsiva kukanganisira Tenzi kwakaitwa navaMidhiani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akataura navanhu, akati, “Varume pakati penyu ngavazvigadzirire kurwa, kuti vandorwa navaMidhiani, vatsivire Jehovha kuvaMidhiani.
Shona 2009?
Mozisi akataura navanhu, akati, "Varume pakati penyu ngavazvigadzirire kurwa, kuti vandorwa navaMidhiani, vatsivire Jehovha kuvaMidhiani.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akataura navanhu, akati, “Varume pakati penyu ngavazvigadzirire kurwa, kuti vandorwa navaMidhiani, vatsivire Jehovha kuvaMidhiani.