Numbers 31:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi pahafu yaʋana ʋaIsraeri unofanira kutora cimŋe kumakumi mashanu, kuʋanhu, nokuŋombe, nokumboŋgoro, nokumakwai, kuɀipfuwo ɀose, ugoɀipa ʋaRevi ʋanoceŋgeta tabernakeri yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva kuhafu inova yavaIsraeri, utsaure chinhu chimwe chete kubva pamakumi mashanu oga oga, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai, mbudzi kana zvimwe zvipfuwo. Uzvipe kuvaRevhi, ivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamugove uya wavaIsiraeri vose pazvinhu makumi mashanu, torai chinhu chimwechete. Zvitorei panhapwa napamombe napamadhongi napahwai napambudzi napazvipfuwo zvose mupe vaRevhi vane basa rokuchengeta tendhe rinoera raTenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi pahafu yavana vaIsiraeri unofanira kutora chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai, kuzvipfuwo zvose, ugozvipa vaRevhi vanochengeta tabhenakeri yaJehovha.”
Shona 2009?
Asi pahafu yavana vaIsiraeri unofanira kutora chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai, kuzvipfuwo zvose, ugozvipa vaRevhi vanochengeta tabhenakeri yaJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Asi pahafu yavana VaIsiraeri unofanira kutora chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai, kuzvipfuwo zvose, ugozvipa vaRevhi vanochengeta tabhenakeri yaJehovha.”