Numbers 31:47 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pahafu yaʋana ʋaIsraeri Mosesi akatora cimŋe kumakumi mashanu, kuʋanhu nokuɀipfuwo, akaɀipa ʋaRevi ʋaiceŋgeta tabernakeri yaJehova; seɀakarairwa Mosesi naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva pahafu yaiva yavaIsraeri, Mozisi akatsaura munhu mumwe chete kubva pavanhu makumi mashanu, chipfuwo chimwe chete kubva pazvipfuwo makumi mashanu, sezvakarayirwa naJehovha, akazvipa kuvaRevhi, vakanga vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazvinhu makumi mashanu zvoga zvoga zvomugove wakapiwa vaIsiraeri. Mosesi akatsaura chinhu chimwechete pamakumi mashanu pavanhu napazvipfuwo ndokupa vaRevhi vaiva nebasa rokuchengeta tendhe rinoera raTenzi sezvaakarayirwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pahafu yavana vaIsiraeri Mosesi akatora chimwe kumakumi mashanu, kuvana nokuzvipfuwo, akazvipa vaRevhi vaichengeta tabhenakeri yaJehovha; sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
Shona 2009?
Pahafu yavana vaIsiraeri Mozisi akatora chimwe kumakumi mashanu, kuvana nokuzvipfuwo, akazvipa vaRevhi vaichengeta tabhenakeri yaJehovha; sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Pahafu yavana VaIsiraeri Mosesi akatora chimwe kumakumi mashanu, kuvana nokuzvipfuwo, akazvipa vaRevhi vaichengeta tabhenakeri yaJehovha; sezvakarairwa Mosesi naJehovha.