Numbers 31:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋuraya ʋo madzimambo aʋaMidiani, pamŋe cete naʋamŋe ʋakaʋurawa, ʋaiti: Evi, naRekemi, naZuri, naHuri, naReba, madzimambo mashanu aʋaMidiani; naBarami, mŋanakomana waBeori, ʋakamuʋuraya ʋo nomunondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaurayiwa pakati pavo ndiEvhi, Rekemu, Zuri, Huri naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani. Vakaurayawo nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakauraya varume vose pamwechete namadzimambo mashanu vaMidhiani aiti: Evhi naRekemu naZuri naHuri naRebha. Vakaurayawo Bhiriamu mwanakomana waBheori vachimubaya nebakatwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurawa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo.
Shona 2009?
Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurawa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurayiwa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo.