Numbers 32:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, hakuŋgaʋi nomumŋe waʋarume ʋakaɓuɗa Egipita, unamakore makumi maʋiri nounopfuʋura, uŋgandoʋona nyika yandakapikira Abrahama naIsaka naJakobo, nokuti haʋana‐kunditeʋera nomŋoyo wose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Nokuda kwokuti havana kunditevera nomwoyo wose, hakuna mumwe wavo ane makore makumi maviri kana anodarika akabuda munyika yeIjipiti achaona nyika yandakanga ndavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Chokwadi hakuna mumwe wavarume vakabva kuIjipiti vane makore makumi maviri kana anopfuura iwayo vachaona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho nokuti havana kunditevera nomwoyo wose,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume vakabuda Ijipiti, ana makore makumi maviri nounopfuura, ungandoona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaka naJakobho, nokuti havana kunditevera nomwoyo wose;
Shona 2009?
Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume vakabuda Ijipiti, ana makore makumi maviri nounopfuura, ungandoona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaka naJakobho, nokuti havana kunditevera nomoyo wose;
Shona SUB 2002 Bible
‘Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume vakabuda Ijipiti, anamakore makumi maviri nounopfuura, ungandoona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaka naJakobho, nokuti havana kunditevera nomwoyo wose;